2 Madzimambo 14:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Jehoashi akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria pamwe chete namadzimambo eIsraeri. Jerobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

17. Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akararama kwamakore gumi namashanu mushure mokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri.

18. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaAmazia, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

19. Vakaita rangano yakaipa pamusoro pake muJerusarema, iye akatizira kuRakishi, asi vakatuma varume vakamutevera kuRakishi vakamuurayira ikoko.

20. Akadzoswa namabhiza vakamuviga muJerusarema pamwe chete namadzibaba ake, muGuta raDhavhidhi.

21. Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Azaria, akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.

22. Ndiye akavakazve Erati akaridzorera kuna Judha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake.

2 Madzimambo 14