2 Madzimambo 14:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore rechipiri raJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akatanga kutonga.

2. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Jehoadhini vakanga vachibva muJerusarema.

3. Iye akaita zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete sezvakaitwa nababa vake Dhavhidhi. Pazvinhu zvose akatevera muenzaniso wababa vake Joashi.

4. Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachipa zvibayiro nokupisa zvinonhuwira ikoko.

5. Mushure mokunge umambo hwanyatsosimba mumaoko ake, akauraya vabati vaya vakauraya baba vake iye mambo.

6. Asi haana kuuraya vanakomana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi sezvakarayira Jehovha paakati, “Madzibaba haazourayiwi nokuda kwavana vavo, uye vana havaurayiwi nokuda kwamadzibaba avo mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.”

7. Iye ndiye akakunda gumi rezviuru zvavaEdhomu muMupata woMunyu uye akapamba Sera muhondo, akaritumidza kuti Jokiteeri, rinova zita raro kusvikira nhasi.

8. Ipapo Amazia akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo weIsraeri, akati, “Uya tionane.”

2 Madzimambo 14