1. Mugore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia mambo weJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe.
2. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha nokutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakanga aita kuti vaIsraeri vaite, uye haana kutendeuka kubva pazvivi.
3. Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakabvira somoto pamusoro peIsraeri, uye kwenguva yakareba akavaisa pasi poruoko rwaHazaeri mambo weAramu naBheni-hadhadhi mwanakomana wake.
4. Ipapo Jehoahazi akatsvaka nyasha dzaJehovha, Jehovha akamunzwa, nokuti akanga aona kuti mambo weAramu airwadzisa nokutambudza Israeri zvakanyanya sei.
5. Jehovha akamutsira Israeri mudzikinuri, uye vakapukunyuka kubva pasi poruoko rwavaAramu. Naizvozvo vaIsraeri vakagara mumisha yavo sezvavakanga vakaita kare.