2 Madzimambo 10:34-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Zvino mamwe mabasa okutonga kwaJehu, nezvose zvaakaita, uye nokubudirira kwake kwose, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?

35. Jehu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muSamaria. Jehoahazi mwanakomana wake akamutevera paumambo.

36. Jehu akabata ushe pamusoro peIsraeri muSamaria kwamakore makumi maviri namasere.

2 Madzimambo 10