1. Mushure mokufa kwaAhabhu, vaMoabhu vakamukira Israeri.
2. Zvino Ahazia akanga awira pasi napawindo rekamuri reimba yake yapamusoro kuSamaria akakuvara. Saka akatuma nhume akati kwavari, “Endai mundobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi, kuti aone kana ndichizopora pakukuvara uku.”
3. Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, “Kwira kumusoro undosangana nenhume dzamambo weSamaria uti kwavari, ‘Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvamunondobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi?’
4. Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Hauchabva pamubhedha pawakarara ipapo. Zvirokwazvo uchafa!’ ” Naizvozvo Eria akaenda.
5. Nhume dzakati dzadzokera kuna mambo, akavabvunza akati, “Madzokereiko?”
6. Ivo vakamupindura vakati, “Mumwe murume akauya akasangana nesu. Zvino akati kwatiri, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai mundoti kwaari,’ Zvanzi, naJehovha: Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvaunotuma nhume kundobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi? Naizvozvo hauchaburuki pamubhedha pawakarara ipapo. Zvirokwazvo uchafa!’ ”
7. Mambo akavabvunza akati, “Ko, murume akauya akasangana nemi akakutaurirai izvi akanga akadini?”
8. Ivo vakapindura vakati, “Akanga ari murume akapfeka nguo dzine mvere nebhanire reganda muchiuno chake.” Mambo akati, “NdiEria muTishibhi.”