Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, “Kwira kumusoro undosangana nenhume dzamambo weSamaria uti kwavari, ‘Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvamunondobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi?’