1 Vakorinde 9:5-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Hatina kodzero yokufamba nomukadzi mutendi here sezvinoita vamwe vapostori navanun'una vaShe naKefasi?

6. Kana kuti ini ndoga naBhanabhasi ndisu tinofanira kushanda kuti tirarame?

7. Ndianiko angandorwa muhondo achizviripira mubayiro? Ndianiko angasima munda wamazambiringa uye akasadya mazambiringa acho? Ndianiko angafudza makwai uye akasanwa mukaka wawo?

8. Ko, ndinotaura izvo nokutaura kwavanhu here? Ko, murayiro haurevi zvimwe chetezvo here?

9. Nokuti zvakanyorwa mumurayiro waMozisi, zvichinzi, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo.” Ko, Mwari ane hanya nenzombe here?

10. Zvirokwazvo anotaura izvi kwatiri, hazvisizvo here? Hongu, zvakanyorerwa isu, nokuti kana murimi achirima, nomupuri achipura, anofanira kuita izvi netariro yokuti achagoverwawo gohwo.

11. Kana isu takadyara zvinhu zvomweya pakati penyu, chingava chinhu chikuru here kana tikakohwa zvinhu zvenyu zvenyama?

12. Kana vamwe vane kodzero iyi yokuwana rubatsiro kubva kwamuri, hatifaniri kutowana zvikuru here?Asi hatina kushandisa kodzero iyi. Asi tinotambudzika pane zvose kuitira kuti tirege kukanganisa vhangeri raKristu.

13. Hamuzivi here kuti vaya vanoshumira mutemberi vanowana zvokudya zvavo mutemberi, uye vanoshumira paaritari vanodya zvearitari?

14. Saizvozvowo, Ishe akarayira kuti vanoparidza vhangeri vanofanira kuwana zvinovararamisa kubva pavhangeri.

15. Asi handina kushandisa kana imwe yekodzero idzi. Uye handisi kunyora izvi ndine tariro yokuti muchandiitira zvinhu zvakadai. Zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti mumwe munhu anditorere chinhu ichi chandinozvirumbidza nacho.

16. Asi kana ndichiparidza vhangeri, handingazvirumbidzi, nokuti ndinosungirwa kuti ndiparidze. Ndine nhamo, kana ndisingaparidzi vhangeri!

17. Kana ndichiparidza nokuda kwangu, ndino mubayiro; kana ndichiita ndisingadi, ndiri kungoita chete izvo zvandakapiwa kuti ndiite.

1 Vakorinde 9