1 Vakorinde 16:11-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Naizvozvo, ngakurege kuva nomumwe anoramba kumugamuchira. Muperekedzei parwendo rwake norugare kuti akwanise kuuya kwandiri. Ndiri kumutarisira pamwe chete nehama.

12. Zvino pamusoro pehama yedu Aporosi: Ndakamukurudzira kwazvo kuti auye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama. Akanga asingadi kuuya iye zvino, asi achauya kana awana mukana.

13. Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba.

14. Itai zvinhu zvose murudo.

15. Munoziva kuti mhuri yaStefanasi ndivo vakava vatendi vokutanga muAkaya, uye vakazvipira kushumira vatsvene. Ndinokukurudzirai hama,

16. kuti muzviise pasi pavakadai saava uye pasi pavose vanobatana nesu pabasa, uye navanobata pariri.

17. Ndakafara pakasvika Stefanasi, naFochunatasi naAkayikasi, nokuti vakandiitira zvamakanga musingagoni kundiitira imi.

18. Nokuti vakazorodza mweya wangu uye neyenyuwo. Varume vakadai vanofanira kukudzwa.

19. Kereke dziri mudunhu reEzhia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna She, uyewo nekereke inoungana mumba mavo.

20. Hama dzose dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene.

21. Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu.

22. Kana mumwe munhu asingadi Ishe, kutukwa ngakuve pamusoro pake. Uyai, imi Ishe!

23. Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi.

24. Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu. Ameni.

1 Vakorinde 16