1. Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika.
2. Zvino mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, anozvidzora, anokudzwa, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa,
3. asingadhakwi, asingarwi uye ano unyoro, asina gakava, asingakariri mari.
4. Anofanira kubata imba yake zvakanaka nokuona kuti vana vake vanomuteerera uye vachimukudza zvakanaka.
5. (Kana munhu asingazivi kubata imba yake zvakanaka, angachengeta seiko kereke yaMwari?)
6. Asava mutendi mutsva, nokuti angazozvikudza uye akazotongwa zvimwe chetezvo sadhiabhori.
7. Anofanirawo kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuitira kuti arege kuzvidzwa, uye agowira mumusungo wadhiabhori.
8. Saizvozvowo, madhikoni ngavave vanhu vanokudzwa, vanorevesa, vasinganwi waini zhinji, uye vasingatsvaki pfuma yakaipa.
9. Vanofanira kuchengetedza zvakadzikadzika zvokutenda nehana yakanaka.
10. Vanofanira kutanga vaedzwa, uye kana pasina chavangapomerwa, ngavashumire samadhikoni.