1 Samueri 4:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Paakanga ava kufa madzimai aimubatsira akati, “Usaora mwoyo wabatsirwa nomwana mukomana.” Asi haana kumbopindura kana kuzviteerera.

21. Akatumidza mukomana uyu kuti Ikabhodhi, achiti, “Kubwinya kwabva muIsraeri,” nokuda kwokutorwa kweareka yaMwari uye nokufa kwatezvara vake nomurume wake.

22. Akati, “Kubwinya kwabva muIsraeri, nokuti areka yaMwari yapambwa.”

1 Samueri 4