9. Dhavhidhi akati anzwa kuti Sauro akanga ari kuita rangano yakaipa pamusoro pake, akati kuna Abhiatari muprista, “Uya neefodhi.”
10. Dhavhidhi akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, muranda wenyu anzwa zvechokwadi kuti Sauro ari kuronga kuti auye kuKeira kuti aparadze guta iri nokuda kwangu.
11. Ko, vanhu veKeira vachandiisa kwaari here? Ko, Sauro achaburuka here, sokunzwa kwaita muranda wenyu? Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, zivisai muranda wenyu.” Uye Jehovha akati, “Achauya.”
12. Dhavhidhi akatizve, “Ko, vanhu veKeira vachaisa ini navanhu vangu kuna Sauro here?” Uye Jehovha akati, “Vachaita saizvozvo.”
13. Saka Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu pakuwanda, vakabva kuKeira vakaramba vachifamba vachibva pane imwe nzvimbo vachienda pane imwe nzvimbo. Sauro akati audzwa kuti Dhavhidhi akanga apunyuka kubva paKeira, haana kuzoendako.