11. Zvino Erikana akaenda kumusha kwake kuRama,asi mukomana akashumira pamberi paJehovha ari pasi paEri muprista.
12. Vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaipa; vakanga vasina hanya naJehovha.
13. Zvino yakanga iri tsika yavaprista kuvanhu kuti munhu paaibayira chibayiro uye nyama ichiri kubikwa, muranda womuprista aiuya neforogo ine zvibayiso zvitatu muruoko rwake.
14. Aiinyudza mugango, kana muhadyana, kana mugate kana mupoto, ipapo muprista ozvitorera chero zvainge zvabudiswa neforogo. Aya ndiwo mabatiro avaiita nawo vaIsraeri vose vaiuya kuShiro.