1 Samueri 17:53-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

53. VaIsraeri vakati vadzoka kundodzinganisa vaFiristia, vakapamba musasa wavo.

54. Dhavhidhi akatora musoro womuFiristia akauya nawo kuJerusarema, uye akatora zvombo zvomuFiristia akazviisa mutende rake.

55. Sauro akati atarisa Dhavhidhi achindosangana nomuFiristia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, “Abhineri, jaya iri mwanakomana waaniko?”Abhineri akati, “Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, mambo, ini handizivi.”

56. Mambo akati, “Bvunza kuti jaya iri, mwanakomana waaniko?”

1 Samueri 17