1 Samueri 17:30-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Ipapo akatendeukira kuno mumwezve akamubvunza shoko rimwe chetero, vanhu vakamupindurazve saizvozvo.

31. Zvakataurwa naDhavhidhi zvakanzwikwa uye runyerekupe rukaziviswa kuna Sauro, uye Sauro akatuma munhu kundomudana.

32. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuva nomunhu anoora mwoyo nokuda kwomuFiristia uyu; muranda wenyu achaenda kundorwa naye.”

1 Samueri 17