1 Makoronike 6:28-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Vanakomana vaSamueri vaiva: Joere dangwe rake naAbhija mwanakomana wake wechipiri.

29. Zvizvarwa zvaMerari zvaiva: Mari, Ribhini mwanakomana wake, Uza mwanakomana wake,

30. Shimea mwanakomana wake, Hagia mwanakomana wake naAsaya mwanakomana wake.

31. Ava ndivo varume vakagadzwa naDhavhidhi kuti vafambise basa rokuimba muimba yaJehovha mushure mokunge areka yawana pokuzorora imomo.

32. Vaishumira nokuimba pamberi petabhenakeri, muTende Rokusangana, kusvikira Soromoni avaka temberi yaJehovha muJerusarema. Vaibata basa ravo maererano nemitemo yavakanga vakadzikirwa.

33. Ava ndivo varume vaibata basa pamwe chete navanakomana vavo: kubva kuvaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoere, mwanakomana waSamueri,

34. mwanakomana waErikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa,

35. mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasi,

36. mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoere, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waZefania.

37. mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri, mwanakomana waEbhiasafi; mwanakomana waKora,

38. mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi mwanakomana waIsraeri.

39. Uye mubatsiri waHemani pabasa ainzi Asafi akanga amire kurudyi rwake: Asafi mwanakomana waBherekia mwanakomana waShimea,

40. mwanakomana waMikaeri, mwanakomana Bhaaseya, mwanakomana waMarikia,

41. mwanakomana waEtini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya,

42. mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimei,

43. mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishoni, mwanakomana waRevhi;

44. uye kubva kuvabatsiri vavo, vaMerari, kuruboshwe rwake, vaiva: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki,

45. mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia,

1 Makoronike 6