1 Makoronike 5:12-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Joere ndiye aiva ishe, Shafami ari wechipiri, kuchizotevera Janai naShafati, muBhashani.

13. Hama dzavo, tichiverenga mhuri dzavo, dzaiva: Mikaeri, Meshurami, Shobha, Jorai, Jakani, Zia naEbheri, vanomwe pamwe chete.

14. Ava ndivo vaiva vanakomana vaAbhihairi mwanakomana waHuri, mwanakomana waJarowa, mwanakomana Gireadhi, mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waJeshishai, mwanakomana waJadho, mwanakomana waBhuzi.

15. Ahi mwanakomana waAbhidhieri, mwanakomana waGuni, ndiye aiva mukuru wemhuri yavo.

16. VaGadhi vaigara muGireadhi, muBhashani nomumisha yaro yakaripoteredza, uye nomumafuro ose eSharoni kusvikira kwaanogumira.

17. Izvi zvose zvakanyorwa munhoroondo dzamadzitateguru avo munguva yokutonga kwaJotamu mambo weJudha naJerobhoamu mambo weIsraeri.

18. VaRubheni, vaGadhi norudzi rwehafu rwaManase vaiva navarume zviuru makumi mana nezvina namazana manomwe namakumi matanhatu vakanga vakagadzirira kundorwa, varume vakasimba vaigona kushandisa nhoo nomunondo, uye vaigona kushandisa uta, uye vakanga vakadzidziswa kurwa.

19. Vakarwa navaHagiri, vaJeturi, vaNafishi navaNodhabhi.

20. Vakabatsirwa pakurwa navo, uye Mwari akaisa vaHagiri, navose vaiva kurutivi rwavo, mumaoko avo, nokuti vakanga vachema kwaari vari pakurwa. Iye akapindura minyengetero yavo nokuti vakavimba naye.

21. Vakapamba zvipfuwo zvavaHagiri zvaiti: ngamera zviuru makumi mashanu zvengamera, zviuru mazana maviri ane makumi mashanu zvamakwai nezviuru zviviri zvembongoro. Vakatapawo zviuru zana zvavanhu,

22. uye vamwe vazhinji vakaurayiwa nokuti kurwa uku kwaiva kwaMwari. Uye vakagara munyika iyoyi kusvikira pakutapwa.

23. Vanhu verudzi rwehafu rwaManase vaiva vazhinji vakagara munyika yaibva kuBhashani ichisvika kuBhari Hemoni ndiko kuSeniri (Gomo reHemoni).

24. Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavo: Eferi, Erieri, Azireri, Jeremia, Hadhavhia naJadhieri. Ava vaiva varwi vakashinga, varume vembiri uye vari vakuru vedzimba dzavo.

25. Asi vakanga vasina kutendeka kuna Mwari wamadzibaba avo, vakaita ufeve hwokunamata vamwari vavanhu venyika iyi avo vakanga vaparadzwa naMwari pamberi pavo.

1 Makoronike 5