1 Makoronike 4:13-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Vanakomana vaKenazi vaiva: Otinieri naSeraya. Vanakomana vaOtinieri vaiva: Hatati naMeonotai.

14. Meonotai aiva baba vaOfira. Seraya aiva baba vaJoabhu, baba vaGeharashimi. Vakapiwa zita iri nokuti vaiva mhizha.

15. Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune vaiva: Iru, Era naNaami. Mwanakomana waEra ainzi Kenazi.

16. Vanakomana vaJehareri vaiva: Zifi, Zifa, Tiria naAsareri.

17. Vanakomana vaEzira vaiva: Jeteri, Meredhi, Eferi, naJaroni. Mumwe wavakadzi vaMeredhi akavaberekera Miriamu, Shamai naIshibha baba vaEshitemoa.

18. Mukadzi wake wechiJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, Hebheri baba vaSoko, naJekutiri baba vaZanoa. Ava ndivo vaiva vana vomwanasikana waFaro ainzi Bhitia akanga aroorwa naMeredhi.

19. Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vaiva: baba vaKeira muGarimi naEshitemoa muMaakati.

20. Vanakomana vaShimoni vaiva: Amunoni, Rina, Bheni, Hanani naTironi. Zvizvarwa zvaIshi zvaiva: Zoheti naBheni Zoheti.

21. Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha vaiva: Eri baba vaReka, Raadha baba vaMaresha nedzimba dzavairuka mucheka wakaisvonaka paBheti Ashibea.

1 Makoronike 4