1 Makoronike 3:15-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Vanakomana vaJosia vaiva: Johanani dangwe, Jehoyakimi wechipiri, Zedhekia wechitatu naSharumi wechina.

16. Vakatevera Jehoyakimi vaiva: Jehoyakini mwanakomana wake naZedhekia.

17. Zvizvarwa zvaJehoyakini mutapwa zvaiva: Shearitieri mwanakomana wake,

18. Marikirami, Pedhaya, Shenazari, Jekamia, Hoshama naNedhabhia.

19. Vanakomana vaPedhaya vaiva: Zerubhabheri naShimei. Vanakomana vaZerubhabheri vaiva: Meshurami naHanania. Sheromiti aiva hanzvadzi yavo.

20. Kwaivawo navamwe vashanu vaiti: Hashubha, Oheri, Bherekia, Hasadhia naJushabhi-Hesedhi.

21. Zvizvarwa zvaHanania zvaiva: Peratia naJeshaya, navanakomana vaRefaya, vaArinani vaObhadhia navaShekania.

22. Zvizvarwa zvaShekania zvaiva: Shemaya navanakomana vake vaiti: Hatushi, Igari, Bharia, Nearia naShafati, vatanhatu vose pamwe chete.

23. Vanakomana vaNearia vaiva: Erioenai, Hizikia naAzirikamu, vatatu pamwe chete.

24. Vanakomana vaErioenai vaiva: Hodhavhia, Eriashibhi, Peraya, Akubhi, Johanani, Dheraya naAnani, vanomwe pamwe chete.

1 Makoronike 3