14. Mijenya weSuo Rokumabvazuva wakawira pana Sheremia. Zvino mujenya yakakandwa nokuda kwomwanakomana wake Zekaria, mupi wamazano akachenjera uye mujenya weSuo Rokumusoro wakawira paari.
15. Mujenya weSuo Rezasi wakawira pana Obedhi-Edhomu, uye mujenya wedura wakawira kuvanakomana vake.
16. Mijenya yeSuo Rokumadokero neSuo reSharebeti kunzira yokumusoro yakawira kuna Shupimi naHosa. Murindi aimira parutivi rwomumwe murindi.
17. Kumabvazuva kwainge kuine vaRevhi vatanhatu pazuva, kurutivi rwokumusoro kuine vana pazuva, zasi kuine vana pazuva uye vaviri panguva imwe chete padura.
18. Kana rwuri ruvanze rwokumadokero kwaiva navana kunzira navaviri paruvanze chaipo.
19. Aya ndiwo aiva mapoka avachengeti vemasuo avo vaiva zvizvarwa zvaKora naMerari.
20. Hama dzavo vaRevhi vaiva vachengeti vepfuma yomumba yaMwari nepfuma yezvinhu zvakakumikidzwa.
21. Zvizvarwa zvaRadhani, avo vaiva vaGerishoni kubudikidza naRadhani uye vaiva vatungamiri vemhuri dzaRadhani muGerishoni vaiti: Jehieri,
22. vanakomana vaJeheri, Zetami, nomunun'una wake Joere. Vaiva nebasa rokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha.
23. Kubva kuvaAmiramu, vaIzhari, vaHebhuroni navaUzieri:
24. Shubhaeri chizvarwa chaGerishoni mwanakomana waMozisi, ndiye aiva mukuru pakuchengetwa kwepfuma.
25. Hama dzake kubudikidza naEriezeri dzaiva: Rehabhia mwanakomana wake, Jeshaya mwanakomana wake, Joramu mwanakomana wake, Zikiri mwanakomana wake naSheromiti mwanakomana wake.
26. Sheromiti nehama dzake vaiva nebasa rokuchengetedza pfuma yose yezvinhu zvakakumikidzwa naMambo Dhavhidhi, navakuru vemhuri dzavo vaiva vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana uye navamwe vatungamiri.