1 Makoronike 22:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Ipapo Dhavhidhi akarayira vatungamiri vose veIsraeri kuti vabatsire mwanakomana wake Soromoni.

18. Akati kwavari, “Ko, Jehovha Mwari wenyu haasi nemi here? Uye haana kukupai zororo kumativi ose here? Nokuti akaisa vagari venyika iyi muruoko rwangu, uye nyika iri pasi paJehovha uye nepasi pavanhu vake.

19. Zvino zvipirei mwoyo nemweya kutsvaka Jehovha Mwari wenyu. Tangai kuvaka nzvimbo tsvene yaJehovha Mwari, kuitira kuti mugouyisa areka yesungano yaJehovha nemidziyo mitsvene yaMwari mutemberi ichavakirwa Zita raJehovha.”

1 Makoronike 22