1 Makoronike 15:19-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Vaimbi vaiti Hemani, Asafi naEtani vakagadzwa kuti varidze makandira endarira.

20. Zekaria, Azieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Maaseya, naBhenaya vaizoridza mitengeranwa, maererano nearamoti,

21. uye Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obedhi-Edhomu, Jeyeri, naAzazia vaizoridza mbira maererano neshiminiti.

22. Kenania mukuru wavaRevhi ndiye aitungamirira kuimba; ndiro rakanga riri basa rake nokuti aiva nyanzvi pariri.

23. Bherekia naErikana ndivo vaizova varindi vemikova weareka.

1 Makoronike 15