3. Vakuru vose veIsraeri pavakauya kuna mambo Dhavhidhi paHebhuroni iye akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri sezvakanga zvavimbiswa naJehovha kubudikidza naSamueri.
4. Dhavhidhi navaIsraeri vose vakaenda kuJerusarema (ndiro Jebhusi). VaJebhusi vaigaramo
5. vakati kuna Dhavhidhi, “Hamuzopindi muno.” Kunyange zvakadaro Dhavhidhi akatapa nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi.
6. Dhavhidhi akanga ati, “Achatungamirira kundorwisa vaJebhusi ndiye achava mukuru wavarwi.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akatanga kuenda saka akapiwa utungamiri hwacho.
7. Dhavhidhi akagara munhare yeZioni, saka rakazodaidzwa kuti Guta raDhavhidhi.
8. Akavaka guta richipoteredza, kubva pamihomba yokutsigira kusvikira kurusvingo rwakanga rwakapoteredza, Joabhu achivaka patsva chimwe chikamu chose cheguta.
9. Uye Dhavhidhi akaramba achiva nesimba guru nokuti Jehovha Wamasimba Ose aiva naye.