1. Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose.
2. Ava ndivo vaiva machinda ake:Azaria mwanakomana waZadhoki aiva muprista;
3. Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika;
4. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto;Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;
5. Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri;Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva muprista neshamwari yamambo;
6. Ahishari aiva mutariri womuzinda wamambo;Adhoniramu, mwanakomana waAbhudha aiva mutariri wechibharo.
7. Soromoni aivawo namachinda gumi navaviri veIsraeri yose vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya. Mumwe nomumwe aifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe chete pagore.
8. Mazita avo aiti:Bhenihuri, munyika yamakomo yaEfuremu;