1. Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose.
2. Ava ndivo vaiva machinda ake:Azaria mwanakomana waZadhoki aiva muprista;
3. Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika;
4. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto;Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;
5. Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri;Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva muprista neshamwari yamambo;
6. Ahishari aiva mutariri womuzinda wamambo;Adhoniramu, mwanakomana waAbhudha aiva mutariri wechibharo.