1 Madzimambo 16:27-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaOmuri, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?

28. Omuri akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muSamaria. Uye Ahabhu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

29. Mugore ramakumi matatu namasere raAsa, mambo weJudha, Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akava mambo weIsraeri, uye akatonga Israeri muSamaria kwamakore makumi maviri namaviri.

30. Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akaita zvakaipa pamberi paJehovha kupfuura vose vakamutangira.

31. Akazviona zviri zvinhu zvidiki kuita zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye pamusoro pezvo akawana Jezebheri mwanasikana waEtibhaari mambo wavaSidhoni, akatanga kushandira Bhaari uye akamunamata.

32. Akavakira Bhaari aritari mutemberi yaBhaari yaakavaka muSamaria.

33. Ahabhu akagadzirawo danda raAshera uye akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe kupfuura zvakaita madzimambo akamutangira.

1 Madzimambo 16