39. Zadhoki muprista akatora gonamombe ramafuta mutende akazodza Soromoni. Ipapo vakaridza hwamanda vanhu vose vakadanidzira vachiti, “Mambo Soromoni ngaararame makore akawanda!”
40. Zvino vanhu vose vakamutevera vachiridza mabhosvo vachipembera zvikuru zvokuti pasi pakatinhira noruzha rwavo.
41. Adhoniya navose vaakanga akoka, vaakanga anavo, vakazvinzwa pavakanga vopedza kudya, Joabhu akati achinzwa ruzha rwehwamanda, akabvunza, akati, “Mheremhere yose iyi muguta ndeyeiko?”
42. Achiri kutaura kudaro, Jonatani, mwanakomana waAbhiatari muprista, akasvika. Adhoniya akati, “Pinda! Murume akatendeka sewe anofanira kunge achiuya namashoko akanaka.”
43. Jonatani akapindura akati, “Kwete, kwete! Ishe wedu Mambo Dhavhidhi agadza Soromoni paumambo.
44. Mambo amutuma naZadhoki muprista, Natani muprofita, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, vaKereti navaPereti, uye vamutasvisa hesera ramambo,
45. uye Zadhoki muprista naNatani muprofita vamuzodza kuti ave mambo paGihoni. Vabva ikoko vachipembera, zvokuti guta rose rangova zhowezhowe. Ndiyo mheremhere yamuri kunzwa.
46. Pamusoro paizvozvo, Soromoni agara pachigaro choushe.
47. Uyezve, machinda amambo auya kuzokorokotedza ishe wedu Mambo Dhavhidhi achiti, ‘Mwari wenyu ngaaite kuti zita raSoromoni rive nomukurumbira kupfuura renyu, uye chigaro chake choushe ngachive chakakura kupfuura chenyu!’ Zvino mambo akotama pamubhedha pake akanamata,
48. akati, ‘Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe, iye anditendera kuti ndione mumwe wavana vangu achigara pachigaro changu choushe nhasi.’ ”
49. Zvino vose vakanga vakokwa naAdhoniya vakabatwa nokutya vakasimuka vakati uyu ananga kwake, uyu ananga kwake.
50. Asi Adhoniya akatya Soromoni, akasimuka akaenda kundobata nyanga dzearitari.