18. mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa,
19. chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.
20. Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
21. Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi; uzvishonge pamutsipa wako.
22. Paunofamba zvichakutungamirira; paucharara, zvichakurinda; pauchamuka, zvichataura newe.
23. Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu,
24. kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati.
25. Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake,
26. nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu.
27. Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake, nguo dzake dzikasatsva here?
28. Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasatsva here?
29. Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume; hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa.
30. Vanhu havazvidzi mbavha kana ikaba kuti ipedze nzara yayo painenge yoziya.
31. Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe, kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake.
32. Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere; ani naani anozviita anozviparadza iye pachake.
33. Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake, uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi;