18. kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.
19. Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa, kana kuchiva vakaipa,
20. nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana, uye mwenje wavakaipa uchadzimwa.
21. Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu, usabatana navanopanduka,
22. nokuti vaviri ivavo vanouyisa kuparadzwa kwavari nokukurumidza, uye ndiani anoziva njodzi dzavangauyisa?
23. Izviwo zvirevo zvomuchenjeri: Kuita rusaruro mukutonga hakuna kunaka:
24. Ani naani anoti kune ane mhosva, “Hauna mhosva,” marudzi achamutuka uye ndudzi dzichamushora.
25. Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva, uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo.
26. Mhinduro yechokwadi yakafanana nokutsvoda pamiromo.
27. Pedza basa rako rapanze ugadzirire minda yako; shure kwaizvozvo, uvake imba yako.
28. Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka, kana kushandisa miromo yako kuti unyengere.
29. Usati, “Ndichamuitirawo zvaakandiitira; ndicharipira munhu uya zvaakaita.”