Zvirevo 24:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. nokuti kunyange munhu akaruruma achiwa runomwe, anosimukazve, asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.

17. Usafara kana muvengi wako achiwa; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,

18. kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.

19. Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa, kana kuchiva vakaipa,

20. nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana, uye mwenje wavakaipa uchadzimwa.

21. Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu, usabatana navanopanduka,

Zvirevo 24