13. Usarega kuranga mwana; ukamuranga neshamhu, haafi.
14. Murange neshamhu ugoponesa mweya wake kubva parufu.
15. Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera, ipapo mwoyo wangu uchafara;
16. mukatikati mangu muchapembera kana miromo yako ichitaura zvakarurama.
17. Usarega mwoyo wako uchichiva vatadzi, asi nguva dzose shingairira kutya Jehovha.
18. Zvirokwazvo ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparadzwi.
19. Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri, uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama.
20. Usabatana navaya vanonwa waini zhinji, kunyange vaya vanokara nyama,
21. nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo, uye hope dzichavapfekedza mamvemve.
22. Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka, uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.
23. Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa; uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa.
24. Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.
25. Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo!
26. Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaanan'anidze nzira dzangu,
27. nokuti chifeve igomba rakadzika, uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana.
28. Segororo anohwandira, anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume.
29. Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa? Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta? Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?
30. Vaya vanogara pawaini, vanoenda kundoravira makate ewaini yakavenganiswa.