2. Hazvibatsiri kushingaira usina zivo, kana kukurumidza uchizorasika nzira.
3. Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake, asi mwoyo wake unotsamwira Jehovha.
4. Pfuma inouyisa shamwari zhinji, asi murombo anosiyiwa neshamwari dzake.
5. Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi.
6. Vazhinji vanotsvaka nyasha kumubati, uye mumwe nomumwe ishamwari yomunhu anopa zvipo.
7. Murombo anoraswa nehama dzake dzose, kuzoti shamwari dzake, dzinomunzvenga zvakadii! Kunyange akavatevera achidemba kwazvo havangawanikwi.
8. Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake; uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.
9. Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo achaparara.
10. Hazvina kufanira kuti benzi rigarike, ko, zvakanyanya kuipa sei kuti muranda atonge machinda!
11. Uchenjeri hwomunhu hunomupa mwoyo murefu; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.
12. Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba, asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa.
13. Mwanakomana benzi ndiko kuparara kwababa vake, uye mukadzi anokakavara akafanana nemvura inoramba ichingodonha.