Zvirevo 13:11-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera, asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.

12. Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo, asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.

13. Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo, asi uyo anokudza murayiro achawana mubayiro.

14. Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu, rinobvisa munhu pamusungo worufu.

15. Kunzwisisa kwakanaka kunowanisa nyasha, asi nzira yavasina kutendeka ihukutu.

16. Munhu wose akachenjera anoita zvinhu noruzivo, asi benzi rinoratidza upenzi hwaro.

17. Nhume yakaipa inowira munjodzi, asi munyai akatendeka anouya nokuporesa.

18. Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa, asi ani naani anoteerera kurayirwa achakudzwa.

19. Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya, asi mapenzi anovenga kusiya zvakaipa.

20. Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo, asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa.

21. Zvakaipa zvinotevera mutadzi, asi kubudirira ndiwo mugove wavakarurama.

22. Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka, asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama.

Zvirevo 13