Zvirevo 1:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. kuti vanzwisise zvirevo nemifananidzo, mashoko nezvirahwe zvavakachenjera.

7. Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.

8. Mwanakomana wangu teerera, kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

9. Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako nouketani hunoshongedza mutsipa wako.

10. Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite.

Zvirevo 1