Zvakazarurwa 7:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Ndakapindura ndikati, “Ishe, imi munoziva.”Uye iye akati, “Ava ndivo vaya vakabuda mukutambudzika kukuru; vakasuka nguo dzavo uye vakadzichenesa muropa reGwayana.

15. Naizvozvo,“vari pamberi pechigaro chaMwariuye vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake;uye iye anogara pachigaro choushe achatambanudza tende rake pamusoro pavo.

16. Havachazoziyi nenzara zvakare;havachazopiswi nezuva,kana nokupisa kupi zvako.

17. Nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richava mufudzi wavo;richavatungamirira kumatsime emvura mhenyu.Uye Mwari achapukuta misodzi yose pameso avo.”

Zvakazarurwa 7