Zvakazarurwa 7:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwaizvozvi, ndakaona vatumwa vana vamire pamakona mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika kuti vadzivise mhepo ipi zvayo kuvhuvhuta panyika kana pamusoro pegungwa kana pamuti upi zvawo.

2. Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu. Akadanidzira nenzwi guru kuvatumwa vana vakanga vapiwa simba rokuti vatadzire nyika negungwa akati:

3. “Musatadzira nyika kana gungwa kana miti kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.”

4. Ipapo ndakanzwa kuwanda kwaavo vakanga vaiswa chisimbiso: Zviuru zana namakumi mana nezvina, kubva kumarudzi ose avaIsraeri.

Zvakazarurwa 7