Gwayana rakati razarura chisimbiso chechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndakatarira, uye pamberi pangu ipapo pakanga pane bhiza dema! Mutasvi waro akanga akabata zviyero zviviri muruoko rwake.