Zvakazarurwa 3:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora kuti:Aya ndiwo mashoko aiye akabata mweya minomwe yaMwari uye nenyeredzi nomwe. Ndinoziva mabasa ako; unonzi uri mupenyu, asi wakafa.

2. Muka! Simbisa zvakasara zvoda kufa, nokuti handina kuwana mabasa ako akakwana pamberi paMwari wangu.

3. Naizvozvo, rangarira zvawakagamuchira nezvawakanzwa; uzviteerere, uye utendeuke. Asi kana usingapepuki, ndichauya sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo kwauri.

Zvakazarurwa 3