4. Vachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo.
5. Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri.
6. Mutumwa akati kwandiri, “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. Ishe, Mwari wemweya yavaprofita, akatuma mutumwa wake kuzoratidza varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.”