Zvakazarurwa 22:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Vachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo.

5. Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri.

6. Mutumwa akati kwandiri, “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. Ishe, Mwari wemweya yavaprofita, akatuma mutumwa wake kuzoratidza varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.”

Zvakazarurwa 22