Zekaria 13:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Kana mumwe munhu akamubvunza achiti, ‘Maronda aya ari pamuviri wako ndeeiko?’ achapindura achiti, ‘Maronda andakakuvadzwa paimba yeshamwari dzangu.’

7. “Muka, iwe munondo, urwise mufudzi, urwise munhu ari pedyo neni!” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Rova mufudzi, makwai agopararira, uye ndichasimudza ruoko rwangu kuti rurwise madiki acho.

8. Munyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “zvikamu zviviri muzvitatu zvichaurayiwa uye zvigoparara; asi chikamu chimwe chete muzvitatu ndicho chichasaramo.

9. Chikamu chimwe ichochi muzvitatu ndichachiisa mumoto; ndichavanatsa sesirivha uye ndichavaedza segoridhe. Vachadana kuzita rangu uye ndichavapindura; ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu.’ Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’ ”

Zekaria 13