Zekaria 11:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Torazve nhumbi dzomufudzi benzi.

16. Nokuti ndichamutsa mufudzi panyika asingazovi nehanya neakarasika, kana kutsvaka makwayana, kana kurapa akakuvadzwa, kana kufudza akasimba, asi achadya nyama yamakwai akakora uye achabvambura mahwanda awo.

17. “Ane nhamo mufudzi asina maturo anosiya makwai! Munondo ngaubaye ruoko rwake uye neziso rake rokurudyi! Ruoko rwake ngaruome zvachose, ziso rake rokurudyi ripofumadzwe zvachose!”

Zekaria 11