29. Ipapo Samusoni akabata mbiru dzapakati paakanga amire dzetemberi. Akadzisunda, ruoko rwake rworudyi pane imwe uye rworuboshwe pane imwe yacho,
30. Samusoni akati, “Regai hangu ndife navaFiristia!” Ipapo akasunda nesimba rake rose, uye temberi yakaondomokera pamusoro pavatongi vavaFiristia navanhu vose vaiva mairi. Naizvozvo akauraya vanhu vazhinji kwazvo pakufa kwake kupfuura paakanga ari mupenyu.
31. Ipapo vanun'una vake nemhuri yose yababa vake vakaburuka, vakandomutora. Vakadzoka naye uye vakandomuviga pakati peZora neEshitori muhwiro raManoa baba vake. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi maviri.