30. Zvino tichatiiko? Tichati vaHedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakakuwana, iko kururama kwokutenda;
31. asi vaIsraeri vakatevera murayiro wokurarama, havana kukuwana.
32. Seiko zvisina kudaro? Nokuti havana kuutevera nokutenda asi sokunge namabasa avo. Vakagumburwa neibwe “rinogumbusa.”
33. Sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu,nedombo rinovapinganidza kuti vawe,uye uyo anotenda kwaari haanganyadziswi.”