24. kunyange isu, vaya vaakadana, kwete kubva kuvaJudha chete asi nokubva kuvaHedheniwo?
25. Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti,“Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu;uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu.”
26. uye,Zvichaitika kuti paya painzi kwavari,“Hamuzi vanhu vangu;vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ ”
27. Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti,“Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa,vakasara chete ndivo vachaponeswa.
28. Nokuti Ishe achaisa mutongo wake panyika nokukurumidza uye achaupedzisa.”
29. Zvakaita sezvakamborehwa naIsaya achiti,“Dai asiri Jehovha Wamasimba Oseakatisiyira zvizvarwa,tingadai takaita seSodhomutingadai takaita seGomora.”
30. Zvino tichatiiko? Tichati vaHedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakakuwana, iko kururama kwokutenda;
31. asi vaIsraeri vakatevera murayiro wokurarama, havana kukuwana.
32. Seiko zvisina kudaro? Nokuti havana kuutevera nokutenda asi sokunge namabasa avo. Vakagumburwa neibwe “rinogumbusa.”
33. Sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu,nedombo rinovapinganidza kuti vawe,uye uyo anotenda kwaari haanganyadziswi.”