Varoma 9:24-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. kunyange isu, vaya vaakadana, kwete kubva kuvaJudha chete asi nokubva kuvaHedheniwo?

25. Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti,“Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu;uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu.”

26. uye,Zvichaitika kuti paya painzi kwavari,“Hamuzi vanhu vangu;vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ ”

Varoma 9