Varoma 5:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Naizvozvo, zvatinoshayirwa mhosva nokutenda, tino rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu,

2. watakawana naye mapindiro, nokutenda, munyasha idzi dzatakamira madziri zvino. Uye tinofara mutariro yokubwinya kwaMwari.

3. Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira,

4. kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro.

Varoma 5