Varoma 3:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko?

2. Zvizhinji nemitowo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo.

3. Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here?

4. Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura,uye mukunde pakutonga kwenyu.”

Varoma 3