Varoma 3:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko?

2. Zvizhinji nemitowo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo.

3. Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here?

Varoma 3