Varoma 2:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Mwari “achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.”

7. Kuna avo vakatsungirira kuita zvakanaka vachitsvaka kubwinya nokukudzwa uye nokusafa, achavapa upenyu husingaperi.

8. Asi kuna avo vanotsvaka zvavo uye vanoramba chokwadi uye vachitevera zvakaipa, kuchavapo kutsamwa nehasha.

9. Kuchavapo kutambudzika nokudzungaira kumunhu mumwe nomumwe anoita zvakaipa: kutanga kumuJudha, tevere kumuHedheni;

Varoma 2