6. Uye kana zvava zvenyasha, saka hazvichisiri zvamabasa; kana dai zvaiva zvakadaro, nyasha hadzaizova nyasha.
7. Zvino tichatiiko? Zvakatsvakwa navaIsraeri nokushingaira havana kuzviwana, asi vasanangurwa ndivo vakazviwana. Vamwe vakaomeswa mwoyo,
8. sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Mwari akavapa mweya wehope,meso kuti vasaona,nzeve kuitira kuti vasanzwa,kusvikira nanhasi uno.”
9. Uye Dhavhidhi anoti:“Tafura yavo ngaive musungo neriva,nechigumbuso uye nechinotsiva kwavari.
10. Meso avo ngaasvibirwe kuti vasaona;uye mukotamise misana yavo nokusingaperi.”
11. Zvakare ndinobvunza ndichiti: Ko, vakagumbuswa vakawa zvokusazomukazve here? Kwete napaduku pose! Asi kuti nokuwa kwavo ruponeso rwakauya kuvaHedheni kuti Israeri ive negodo.