Varoma 11:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Uye kana zvava zvenyasha, saka hazvichisiri zvamabasa; kana dai zvaiva zvakadaro, nyasha hadzaizova nyasha.

7. Zvino tichatiiko? Zvakatsvakwa navaIsraeri nokushingaira havana kuzviwana, asi vasanangurwa ndivo vakazviwana. Vamwe vakaomeswa mwoyo,

8. sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Mwari akavapa mweya wehope,meso kuti vasaona,nzeve kuitira kuti vasanzwa,kusvikira nanhasi uno.”

9. Uye Dhavhidhi anoti:“Tafura yavo ngaive musungo neriva,nechigumbuso uye nechinotsiva kwavari.

10. Meso avo ngaasvibirwe kuti vasaona;uye mukotamise misana yavo nokusingaperi.”

11. Zvakare ndinobvunza ndichiti: Ko, vakagumbuswa vakawa zvokusazomukazve here? Kwete napaduku pose! Asi kuti nokuwa kwavo ruponeso rwakauya kuvaHedheni kuti Israeri ive negodo.

Varoma 11