Vahebheru 9:15-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Nokuda kwaizvozvi Kristu ndiye murevereri wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagogamuchira chipikirwa chenhaka isingaperi, zvino sezvo akafa sedzikinuro kuti avasunungure kubva pazvivi zvavakaita vari pasi pesungano yokutanga.

16. Nokuti kana iri nhaka yakanyorwa, panofanira kuvapovo nechokwadi chorufu rwaiye akaiita,

17. nokuti nhaka yakanyorwa ine simba chete kana munhu afa; haina simba kana akaiita achiri mupenyu.

18. Ndokusaka sungano yokutanga isina kushanda pasina ropa.

19. Mozisi paakaparidza mirayiro yose kuvanhu vose, akatora ropa remhuru, pamwe chete nemvura, neshinda tsvuku uye namapazi ehisopi, akasasa pabhuku rakapetwa uye napavanhu.

20. Akati, “Iri iropa resungano, yamakarayirwa naMwari kuti muchengete.”

21. Nenzira imwe cheteyo, akasasa neropa zvose tabhenakeri nezvinhu zvose zvaishandiswa pakushumira mairi.

22. Zvirokwazvo, tingati murayiro unoda kuti zvinhu zvinenge zvose zvinatswe neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kuregererwa.

Vahebheru 9